Job 6

Jobho

1Ipapo Jobho akapindura akati:

2“Dai chete kurwadziwa kwangu kwaigona kuyerwa
uye kusuwa kwangu kwaiiswa pachiyero!
3Zvirokwazvo zvairema kupfuura jecha ramakungwa,
hazvishamisi kana mashoko angu aiva okuvhurumuka.
4Miseve yoWamasimba Ose iri mandiri,
mweya wangu unonwa muchetura wayo;
kutyisa kwaMwari kwagadzirira kurwa neni.
5Ko, mbizi ingachema kana ine bundo here?
Ko, nzombe inokuma kana ine zvokudya here?
6Ko, chokudya chisinganaki chingadyiwa chisina munyu here?
Ko, chichena chezai chinonaka here?
7Ndinoramba kuzvibata;
zvokudya zvakadai zvinondirwarisa.

8“Haiwa, dai ndapiwa hangu zvandinokumbira
kuti Mwari andipe zvandinotarisira,
9kuti dai Mwari aida hake kundipwanya,
kuti aregere ruoko rwake rundiuraye!
10Ipapo ndaizova hangu nokunyaradzwa uku,
mufaro wangu mukurwadziwa kusingagumi,
kuti handina kunge ndamboramba mashoko aiye Mutsvene.

11“Ndinaro here simba, rokuti ndirambe ndine tariro?
Tariro yacho ndeyeiko kuti nditsungirire?
12Ko, ndine simba rebwe here?
Ko, nyama yangu indarira here?
13Ko, ndine simba here rokuti ndione kuti ndabatsirika,
sezvo zvino kubudirira kwakabviswa kwandiri?

14“Munhu asina tariro anofanira kuwana rudo rweshamwari dzake,
kunyange iye arega kutya Wamasimba Ose.
15Asi hama dzangu hadzivimbike sezvinongoita hova dzava kudira.
Sezvinongoita hova dzopfachukira,
16dzinosviba pakunyungudika kwamagwada echando,
uye dzinozadzwa nokunyungudika kwamagwada echando,
17asi dzinoguma kuyerera mumwaka wokupisa,
uye mihoronga yadzo inopwa mukupisa.
18Mihoronga inotsauka kubva munzira dzayo;
inoenda kumakura ndokuparara.
19Vafambi veTema vanotsvaka mvura,
vashambadziri veShebha vanomirira netariro.
20Vachaora mwoyo, nokuti vaivimba nesimba ravo;
vasvikapo, vachashaya zvokuita.
21Zvino nemiwo maratidza kusabatsira;
munoti mukaona chinhu chinotyisa mobva matya.
22Ko, ndakamboti, ‘Ndipeiwo chipo,
ndipei fufuro rinobva papfuma yenyu,
23ndirwirei muruoko rwomuvengi,
ndidzikinurei mumaoko avanhu vano utsinye’ here?

24“Ndidzidzisei, uye ndichanyarara hangu;
ndiratidzei pandakakanganisa.
25Mashoko echokwadi anorwadza sei!
Asi gakava renyu rinoratidzeiko?
26Munoda kutsiura zvandareva,
nokutora mashoko omunhu arasa tariro semhepo here?
27Muchada kana kukanda mijenya pamusoro penherera
uye nokutengesa shamwari yenyu.

28“Asi zvino chinditarirai netsitsi.
Ko, ndingareva nhema pamberi penyu here?
29Musadaro, musava vasakarurama;
fungai zvakare, nokuti kururama kwangu kuchiripo.
30Ko, pamiromo yangu pane zvakaipa here?
Ko, muromo wangu haugoni kunzvera zvakaipa here?
Copyright information for SnaBDSC